2 Kings 1:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋakati kwaari: Mumŋe murume wakaʋuya akasoŋgana nesu, akati kwatiri: Endai, dzokerai kunamambo wakakutumai, muti kwaari: Ɀanzi naJehova: Asi hapanaMŋari here pakati paIsraeri, ɀawotuma ʋanhu kundobvunza Baari‐zebubi mŋari weEkroni? Naiɀoɀo hauŋgaɓuruki ɀe pamubeda wawakwira, asi ɀirokwaɀo ucafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo vakamupindura vakati, “Mumwe murume akauya akasangana nesu. Zvino akati kwatiri, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai mundoti kwaari,’ Zvanzi, naJehovha: Imhaka yokuti muIsraeri hamuna Mwari here zvaunotuma nhume kundobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi? Naizvozvo hauchaburuki pamubhedha pawakarara ipapo. Zvirokwazvo uchafa!’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakati kwaari, “Kwauya mumwe murume asangana nesu akatiti, ‘Dzokerai kuna mambo akutumai mumuti,’ zvanzi naTenzi, ‘Zvareva kuti muIsiraeri hamusisina Mwari here zvomoenda kundobvunzira kuna Bhaarizebhubhu mwari weEkironi? Naizvozvo hausi kuzoburuka pamubhedha pacho pawava, unotofa chete.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vakati kwaari, “Mumwe murume wakauya akasangana nesu, akati kwatiri, ‘Endai, dzokerai kuna mambo wakakutumai,’ muti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, asi hapana Mwari here pakati peIsiraeri, zvawotuma vanhu kundobvunza Bhaarizebhubhi mwari weEkironi? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.’
Shona 2009?
Ivo vakati kwaari, "Mumwe murume wakauya akasangana nesu, akati kwatiri, Endai, dzokerai kuna mambo wakakutumai, muti kwaari, Zvanzi naJehovha, asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvawotuma vanhu kundobvunza Bhaarizebhubhi mwari weEkironi? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.'
Shona SUB 2002 Bible
Ivo vakati kwaari, “Mumwe murume wakauya akasangana nesu, akati kwatiri, ‘Endai, dzokerai kuna mambo wakakutumai,’ muti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, asi hapana Mwari here pakati peIsiraeri, zvawotuma vanhu kundobvunza Bhaarizebhubhi mwari weEkironi? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.’