2 Kings 1:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakamupindura, ʋakati: Wakaŋga ari murume wakafuka ŋguʋo yemvere, akaɀisuŋga ciʋuno cake nebanhire reganda. Iye akati: Ndiye Eria muTishbi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo vakapindura vakati, “Akanga ari murume akapfeka nguo dzine mvere nebhanire reganda muchiuno chake.” Mambo akati, “NdiEria muTishibhi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakamupindura vachiti, “Anga akapfeka nguo dzine mvere nebhande reganda muchiuno.” Mambo ndokuti, “NdiEriya chete wokuTishibhi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakamupindura vakati, “Wakanga ari murume wakafuka nguo yemvere, akazvisunga chiuno chake nebhanire reganda.” Iye akati, “Ndiye Eria muTishibhi.”
Shona 2009?
Vakamupindura vakati, "Wakanga ari murume wakafuka nguvo yemvere, akazvisunga chiuno chake nebhanire reganda." Iye akati, "Ndiye Eria muTishibhi."
Shona SUB 2002 Bible
Vakamupindura vakati, “Wakanga ari murume wakafuka nguo yemvere, akazvisunga chiuno chake nebhanire reganda.” Iye akati, “Ndiye Eriya muTishibhi.”