2 Kings 1:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo akatuma kwaari mukuru waʋarume ʋanamakumi mashanu, anaʋanhu ʋake ʋanamakumi mashanu. Iye akakwira kwaari, akamuwana agere pamsoro pegomo. Akati kwaari: Nhai munhu waMŋari, ɀanzi namambo: Ƃurukai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akatuma mukuru weboka ravarume makumi mashanu navanhu vake kuna Eria. Mukuru uyu akaenda kuna Eria akanga akagara pamusoro pechikomo, ndokuti kwaari, “Munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai!’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akabva atuma kwaari mutungamiriri wechikwata chamakumi mashanu avarwi aine varwi vake vacho makumi mashanu. Akakwira kuna Eriya akanga agere pamusoro pechikomo akati kwaari, “Iwe munhu waMwari mambo ati, ‘Buruka apo.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo akatuma kwaari mukuru wavarume vana makumi mashanu, ana vanhu vake vana makumi mashanu. Iye akakwira kwaari, akamuwana agere pamusoro pegomo. Akati kwaari, “Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai.’ ”
Shona 2009?
Ipapo mambo akatuma kwaari mukuru wavarume vana makumi mashanu, ana vanhu vake vana makumi mashanu. Iye akakwira kwaari, akamuwana agere pamusoro pegomo. Akati kwaari, "Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, `Burukai.'
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo akatuma kwaari mukuru wavarume vana makumi mashanu, ana vanhu vake vana makumi mashanu. Iye akakwira kwaari, akamuwana agere pamusoro pegomo. Akati kwaari, “Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai.’ ”