2 Kings 10:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Ahabi wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi manomŋe paSamaria. Jehu akanyora ŋwadi, akadzitumira Samaria kuʋaɓati ʋeJezreeri, iʋo ʋakuru, nokuʋareri ʋaʋana ʋaAhabi, akati:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino muSamaria maiva navanakomana vaAhabhu makumi manomwe. Saka Jehu akanyora matsamba akatumira kuSamaria achiti: kuvabati veJezireeri, kuvakuru navachengeti vavana vaAhabhu. Akati,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ahabhu aiva navanakomana makumi manomwe kuSamaria. Jehu akanyora tsamba akadzitumira kune vokuSamaria kuvatongi veJezirieri nokuvakuru vakuru vacho nokune vaiva vokuchengeta vana ivava vaAhabhu achiti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Ahabhi wakanga ana vanakomana vana makumi manomwe paSamaria. Jehu akanyora nwadhi, akadzitumira Samaria kuvabati veJezereri, ivo vakuru, nokuvareri vavana vaAhabhi, akati,
Shona 2009?
Zvino Ahabhi wakanga ana vanakomana vana makumi manomwe paSamaria. Jehu akanyora mwadhi, akadzitumira Samaria kuvabati veJezereeri, ivo vakuru, nokuvareri vavana vaAhabhi, akati,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Ahabhi wakanga ana vanakomana vana makumi manomwe paSamaria. Jehu akanyora tsamba, akadzitumira Samaria kuvabati veJezereri, ivo vakuru, nokuvareri vavana vaAhabhi, akati,