2 Kings 10:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati abva’po, akasoŋgana naJehonadabi mŋanakomana waRehabi, waŋga aciʋuya kuzosoŋgana naye; akamukwazisa, akati kwaari: Mŋoyo wako wakarurama here, sokururama kwomŋoyo waŋgu kwauri? Jehonadabi akapindura, akati: Wakarurama hawo. Kana ɀakaɗaro, ndiɓate ruʋoko rwaŋgu. Iye akaɓata ruʋoko rwake, ndokumukwidza muŋgoro maakaŋga ari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abva ikoko, akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akanga ari munzira kuzosangana naye. Jehu akamukwazisa akati, “Unondifarira here, sokufarira kwandinokuita.” Jehonadhabhi akati, “Hongu.” Jehu akati, “Kana zviri izvo ndipe ruoko rwako.” Akaita saizvozvo, Jehu akamukwidza mungoro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakabva ipapo akasangana naJehonadhabhu mwanakomana waRekabhu achiuya kuzosangana naye. Jehu akamukwazisa akamuti, “Uri papi? Ini ndiri wako ini. Ko iwe uri wangu here?” Iye akati, “Ndizvozvo.” Jehu akati, “Kana zvakadaro ndibate,” iye ndokumukwazisa. Jehu akamukwidza mungoro yake yehondo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati abvapo, akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhu, wanga achiuya kuzosangana naye; akamukwazisa, akati kwaari, “Mwoyo wako wakarurama here, sokururama kwomwoyo wangu kwauri?” Jehonadhabhi akapindura, akati, “Wakarurama hawo. Kana zvakadaro, ndibate ruoko rwangu.” Iye akabata ruoko rwake, ndokumukwidza mungoro maakanga ari.
Shona 2009?
Zvino wakati abvapo, akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhu, wanga achiuya kuzosangana naye; akamukwazisa, akati kwaari, "moyo wako wakarurama here, sokururama komoyo wangu kwauri?" Jehonadhabhi akapindura, akati, "Wakarurama hawo. Kana zvakadaro, ndibate ruoko rwangu." Iye akabata ruoko rwake, ndokumukwidza mungoro maakanga ari.
Shona SUB 2002 Bible