2 Kings 10:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino ciɗanai ʋaprofita ʋose ʋaBaari, naʋose ʋanonamata kwaari, naʋaprista ʋake ʋose, ʋaʋuye kwandiri; ŋgakurege kushaikwa kunyaŋge nomumŋe; nokuti ndinoɗa kuɓayira Baari ciɓayiro cikuru; aninani unoshaikwa haaŋgararami. Asi Jehu wakaita iɀoɀo namano, aciɗa kuʋuraya ʋanamati ʋaBaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino chikokai vaprofita vose vaBhaari, navashumiri vake vose. Muone kuti hapana anosara, nokuti ndiri kuzoita chibayiro chikuru chaBhaari. Ani naani achatadza kuuya haangararami.” Asi Jehu akanga achivanyengera achiitira kuti aparadze vashumiri vaBhaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka naizvozvo chindidaidziraiwo vaporofita vose vaBhaari navose vanomunamata navapristi vake vose kurege kuwana asingauyeko. Hapafanire kuva neanoshayikwapo. Ndinodaro nokuti ndine chibayiro chikuru kwazvo chokupira kuna Bhaari. Kuwana anoshayikwapo pake pamuperera.” Asi Jehu aiita izvozvo kuri kunyengedza achida zvake kuparadza vanamati vaBhaari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino chidanai vaporofita vose vaBhaari, navose vanonamata kwaari, navapristi vake vose, vauye kwandiri; ngakurege kushaikwa kunyange nomumwe; nokuti ndinoda kubayira Bhaari chibayiro chikuru; Ani naani unoshaikwa haangararami.” Asi Jehu wakaita izvozvo namano, achida kuuraya vanamati vaBhaari.
Shona 2009?
Naizvozvo zvino chidanai vaporofita vose vaBhaari, navose vanonamata kwaari, navaprista vake vose, vauye kwandiri; ngakurege kushaikwa kunyange nomumwe; nokuti ndinoda kubayira Bhaari chibayiro chikuru; Ani naani unoshaikwa haangararami." Asi Jehu wakaita izvozvo namano, achida kuuraya vanamati vaBhaari.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino chidanai vaporofita vose vaBhaari, navose vanonamata kwaari, navapristi vake vose, vauye kwandiri; ngakurege kushaikwa kunyangwe nomumwe; nokuti ndinoda kubayira Bhaari chibayiro chikuru; Ani naani unoshaikwa haangararami.” Asi Jehu wakaita izvozvo namano, achida kuuraya vanamati vaBhaari.