2 Kings 10:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ŋwadi iyi iciȿika kwamuri, ʋanakomana ʋatenzi waŋgu ɀaʋari’ko kwamuri, neŋgoro namabiza ɀiri’ko kwamuri, neguta rakakombga noruȿiŋgo, nenhumbi dzokurwa nadzo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Panongosvika tsamba iyi kwamuri, sezvo vana vatenzi wenyu vanemi uye ngoro namabhiza munazvo, guta rakakombwa uye nezvombo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Sezvamunongoonawo kuti vana vatenzi venyu munavo, nengoro dzehondo munadzo namabhiza uye mune maguta ane tsvingo nezvombowo zvokurwisa nazvo saka panongosvika chete tsamba iyoyi kwamuri
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana nwadhi iyi ichisvika kwamuri, vanakomana vatenzi wangu zvavariko kwamuri, nengoro namabhiza zviriko kwamuri, neguta rakakombwa norusvingo, nenhumbi dzokurwa nadzo;
Shona 2009?
"Zvino kana mwadhi iyi ichisvika kwamuri, vanakomana vatenzi wangu zvavariko kwamuri, nengoro namabhiza zviriko kwamuri, neguta rakakombwa norusvingo, nenhumbi dzokurwa nadzo;
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana tsamba iyi ichisvika kwamuri, vanakomana vatenzi wangu zvavariko kwamuri, nengoro namabhiza zviriko kwamuri, neguta rakakombwa norusvingo, nenhumbi dzokurwa nadzo;