2 Kings 10:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehu akatuma nhume pakati paIsraeri pose, ʋose ʋanamati ʋaBaari ʋakaʋuya; hakunomunhu wakasara, akasaʋuya. Ʋakapinda mumba maBaari, imba yaBaari ikazara, kuȿika kumadziro nokumadziro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akatuma shoko muIsraeri mose, vashumiri vose vaBhaari vakauya; hapana kana mumwe chete akasara. Vakatsikirirana mutemberi yaBhaari kusvikira yazara kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehu akatumira shoko kwaIsiraeri kwose, vanamati vaBhaari vose vakauya zvokuti hapana asina kuuya. Vakapinda mumba yaBhaari ikazara kunze nokunze.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehu akatuma nhume pakati peIsiraeri pose, vose vanamati vaBhaari vakauya; hakuna munhu wakasara, akasauya. Vakapinda mumba maBhaari, imba yaBhaari ikazara, kusvika kumadziro nokumadziro.
Shona 2009?
Zvino Jehu akatuma nhume pakati paIsiraeri pose, vose vanamati vaBhaari vakauya; hakuna munhu wakasara, akasauya. Vakapinda mumba maBhaari, imba yaBhaari ikazara, kusvika kumadziro nokumadziro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehu akatuma nhume pakati peIsiraeri pose, vose vanamati vaBhaari vakauya; hakuna munhu wakasara, akasauya. Vakapinda mumba maBhaari, imba yaBhaari ikazara, kusvika kumadziro nokumadziro.