2 Kings 10:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jehu akapinda mumba maBaari, anaJehonadabi mŋanakomana waRekabi, akati kuʋanamati ʋaBaari: Tȿakai, mutarire kwaɀo kuti pano pakati penyu parege kuʋa nomuranda mumŋe waJehova, asi ʋanamati ʋaBaari ɓedzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehu naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakapinda mutemberi yaBhaari. Jehu akati kuvashumiri vaBhaari, “Tarirai muone kuti pakati penyu hapana varanda vaJehovha vari pano nemi, asi vashumiri vaBhaari chete.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehu akapinda mumba maBhaari aina Jehonadhabhu mwanakomana waRekabhu akati kuvanamati vaBhaari, “Nyatsotsvakai muone kuti hapana munamati waTenzi pakati penyu asi kuti vanamati vaBhaari voga.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jehu akapinda mumba maBhaari, anaJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akati kuvanamati vaBhaari, “Tsvakai, mutarire kwazvo kuti pano pakati penyu parege kuva nomuranda mumwe waJehovha, asi vanamati vaBhaari bedzi.”
Shona 2009?
Ipapo Jehu akapinda mumba maBhaari, anaJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akati kuvanamati vaBhaari, "Tsvakai, mutarire kwazvo kuti pano pakati penyu parege kuva nomuranda mumwe waJehovha, asi vanamati vaBhaari bedzi."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jehu akapinda mumba maBhaari, ana Jehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akati kuvanamati vaBhaari, “Tsvakai, mutarire kwazvo kuti pano pakati penyu parege kuva nomuranda mumwe waJehovha, asi vanamati vaBhaari bedzi.”