2 Kings 10:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakapinda kundoɓayira ɀiɓayiro neɀipiriso ɀinopiswa. Ɀino Jehu wakaŋga araira ʋarume ʋanamakumi masere panze, aciti: Kana mumŋe waʋarume ʋandinoisa pamaʋoko enyu akapukunyuka, munhu unomurega akapukunyuka, ucamufira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu akanga amisa panze varume makumi masere neyambiro yokuti: “Kana mumwe wenyu akarega mumwe wavarume ava vandaisa mumaoko enyu achipunyuka, zvichareva kuti iye achamufira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakapinda kundopira zvibayiro nemipiro yokupisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu wakanga araira varume vana makumi masere panze, achiti, “Kana mumwe wavarume vandinoisa pamaoko enyu akapukunyuka, munhu unomurega akapukunyuka, uchamufira.”
Shona 2009?
vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu wakanga araira varume vana makumi masere panze, achiti, "Kana mumwe wavarume vandinoisa pamaoko enyu akapukunyuka, munhu unomurega akapukunyuka, uchamufira."
Shona SUB 2002 Bible
Vakapinda kundobayira zvibairo nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu wakanga araira varume vana makumi masere panze, achiti, “Kana mumwe wavarume vandinoisa pamaoko enyu akapukunyuka, munhu unomurega akapukunyuka, uchamufira.”