2 Kings 10:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati apedza kuɓayira cipiriso cinopiswa, Jehu akati kuʋarindi nokuʋakuru: Pindai, muʋaʋuraye; musatendera mumŋe kuɓuɗa. Iʋo ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza; ʋarindi naʋakuru ʋakaʋarashira kunze, ʋakaenda kuguta reimba yaBaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehu akati achangopedza kuita chipiriso chinopiswa, akabva arayira varindi navakuru akati, “Pindai mukati munovauraya; ngaparege kuva neanopunyuka.” Naizvozvo vakavauraya nomunondo. Varindi navakuru vakakanda zvitunha zvavo kunze uye vakapinda munhare yomukati metemberi yaBhaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakangopedza chete kupira chibayiro chokupisa, Jehu akati kune vakanga vakagaririra vaye nokuvakuru vakuru, “Pindai muvauraye! Hapana anofanira kupunyuka!” Vokugaririra vaye navakuru vakuru pavakapedza kuvauraya namapakatwa, vakakanda zvitunha panze vakapinda mumba yomukati memba yaBhaari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati apedza kubayira chipiriso chinopiswa Jehu akati kuvarindi nokuvakuru, “Pindai, muvauraye; musatendera mumwe kubuda.” Ivo vakavauraya neminondo inopinza; varindi navakuru vakavarashira kunze, vakaenda kuguta reimba yaBhaari.
Shona 2009?
Zvino wakati apedza kubayira chipiriso chinopiswa Jehu akati kuvarindi nokuvakuru, "Pindai, muvauraye; musatendera mumwe kubuda." Ivo vakavauraya neminondo inopinza; varindi navakuru vakavarashira kunze, vakaenda kuguta reimba yaBhaari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati apedza kubayira chipiriso chinopiswa Jehu akati kuvarindi nokuvakuru, “Pindai, muvauraye; musatendera mumwe kubuda.” Ivo vakavauraya neminondo inopinza; varindi navakuru vakavarashira kunze, vakaenda kuguta reimba yaBhaari.