2 Kings 10:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jehu haana‐kurega kuteʋera ɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo, ɀemhuru dzendarama dzaiʋa paBeti‐eri, nedzaiʋa paDani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwakomana waNebhati, zvaakaita kuti vaIsraeri vaite—nokunamata mhuru yegoridhe paBheteri napaDhani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jehu haana kukanda pasi zvechitadzo chaJerobhoamu mwanakomana waNebhati chaakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo, zvezvimhuru zvendarama zvaiva kuBhetieri nokwaDhani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, zvemhuru dzendarama dzaiva paBhetieri, nedzaiva paDhani.
Shona 2009?
Asi Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, zvemhuru dzendarama dzaiva paBhetieri, nedzaiva paDhani.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, zvemhuru dzendarama dzaiva paBhetieri, nedzaiva paDhani.