2 Kings 10:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaJehu: Ɀawakaita ɀakanaka ukaita ɀakarurama pamberi paŋgu, ukaitira imba yaAhabi ɀose ɀakaŋga ɀiri mumŋoyo maŋgu, ɀino ʋana ʋako ʋorudzi rwecinna ʋacagara pacigaro coʋushe bgaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Jehu, “Nokuti wakaita zvakanaka mukuzadzisa izvo zvakarurama pamberi pangu uye ukaita kuimba yaAhabhu zvose zvandaiva nazvo mupfungwa kuti ndiite, vana vako vachagara pachigaro choushe cheIsraeri kusvikira kurudzi rwechina.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati kuna Jehu, “Pamusana pokuti waita zvakanaka kumba yaAhabhu zvandinoda zvose zvanga zviri pamwoyo pangu, vana vako vakomana vechizvarwa chechina vachagara paumambo hwokwaIsiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Jehu, “Zvawakaita zvakanaka ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukaitira imba yaAhabhi zvose zvakanga zviri mumwoyo mangu, zvino vana vako vorudzi rwechina vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri.”
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Jehu, "Zvawakaita zvakanaka ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukaitira imba yaAhabhi zvose zvakanga zviri mumoyo mangu, zvino vana vako vorudzi rwechina vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Jehu, “Zvawakaita zvakanaka ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukaitira imba yaAhabhi zvose zvakanga zviri mumwoyo mangu, zvino vana vako vorudzi rwechina vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri.”