2 Kings 10:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jehu haana‐kuraŋgarira kufamba nomŋoyo wose nomurairo waJehova Mŋari waIsraeri; haana‐kurega ɀiʋi ɀaJeroboami ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehu haana kuchenjerera kuchengeta murayiro waJehovha, Mwari waIsraeri, nomwoyo wake wose. Haana kutsauka kubva pazvivi zvaJerobhoamu, zvaakanga aita kuti Israeri iite.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jehu haana kuchenjerera kutevedza murao waTenzi, Mwari weIsiraeri nomwoyo wose. Haana kukanda pasi zvechitadzo chaJerobhoamu chaakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jehu haana kurangarira kufamba nomwoyo wose nomurayiro waJehovha Mwari waIsiraeri; haana kurega zvivi zvaJerobhoamu zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
Shona 2009?
Asi Jehu haana kurangarira kufamba nomoyo wose nomurayiro waJehovha Mwari waIsiraeri; haana kurega zvivi zvaJerobhoamu zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jehu haana kurangarira kufamba nomwoyo wose nomurairo waJehovha Mwari waIsiraeri; haana kurega zvivi zvaJerobhoamu zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.