2 Kings 10:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mutariri weimba nomutariri weguta, naʋakuru, naʋareri ʋaʋana ʋakatuma shoko kunaJehu, ʋaciti: Tiri ʋaranda ʋenyu, ticaita ɀose ɀamunotiraira; hatiŋgagadzi mumŋe mambo; itai henyu seɀamunoɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo mutariri wapamuzinda, nomukuru weguta, navakuru navareri vakatuma shoko kuna Jehu vakati, “Tiri varanda venyu uye tichaita zvose zvamunoreva. Hatichagadzi ani zvake kuti ave mambo; imi itai zvose zvamunofunga kuti zvakanaka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro mukuru mukuru womuzinda nomutongi weguta pamwechete navakuru vakuru vacho navachengeti vaya, vakatumira Jehu shoko rokuti, “Tiri varanda venyu zvose zvamunenge mangotiudza tinoita. Hakuna munhu watinogadza umambo kuno. Itai zvenyu zvamunoda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mutariri weimba nomutariri weguta, navakuru, navareri vavana vakatuma shoko kuna Jehu, vachiti, “Tiri varanda venyu, tichaita zvose zvamunotiraira; hatingagadzi mumwe mambo; itai henyu sezvamunoda.”
Shona 2009?
Zvino mutariri weimba nomutariri weguta, navakuru, navareri vavana vakatuma shoko kuna Jehu, vachiti, "Tiri varanda venyu, tichaita zvose zvamunotiraira; hatingagadzi mumwe mambo; itai henyu sezvamunoda."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mutariri weimba nomutariri weguta, navakuru, navareri vavana vakatuma shoko kuna Jehu, vachiti, “Tiri varanda venyu, tichaita zvose zvamunotiraira; hatingagadzi mumwe mambo; itai henyu sezvamunoda.”