2 Kings 10:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo wakanyora ŋwadi rwecipiri kwaʋari, akati: Kana mukanzwana neni, kana mukaterera inzwi raŋgu, ʋuyai kwandiri Jezreeri maŋgwana neŋguʋa ino nemisoro yaʋarume, iʋo ʋanakomana ʋatenzi wenyu. Ɀino ʋanakomana ʋamambo, iʋo ʋanhu ʋanamakumi manomŋe, ʋaiʋa kuʋakuru ʋeguta, ʋaiʋarera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehu akavanyorerazve tsamba yechipiri akati, “Kana muri kurutivi rwangu uye muchizonditeerera, uyai nemisoro yavanakomana vatenzi wenyu kwandiri muJezireeri nenguva ino mangwana.” Zvino machinda amambo, makumi manomwe, vakanga vane varume vaitungamirira guta, vaiva vachengeti vavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akavanyorera tsamba yechipiri achiti, “Kana muri kudivi kwangu uye kana makagadzirira kunditeerera mochidaizvi. Bvisai vanakomana vatenzi wenyu misoro muuye kwandiri kuJezireeri mangwana panguva idzo dzino idzi.” Izvozvo vanakomana vamambo makumi manomwe vakanga vaine varume vomuguta iroro vaivarera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo wakanyora nwadhi rwechipiri kwavari, akati, “Kana mukanzwana neni, kana mukaterera izwi rangu, uyai kwandiri Jezereri mangwana nenguva ino nemisoro yavarume, ivo vanakomana vatenzi wenyu.” Zvino vanakomana vamambo, ivo vanhu vana makumi manomwe, vaiva kuvakuru veguta, vaivarera.
Shona 2009?
Ipapo wakanyora mwadhi rwechipiri kwavari, akati, "Kana mukanzwana neni, kana mukateerera inzwi rangu, uyai kwandiri Jezereeri mangwana nenguva ino nemisoro yavarume, ivo vanakomana vatenzi wenyu." Zvino vanakomana vamambo, ivo vanhu vana makumi manomwe, vaiva kuvakuru veguta, vaivarera.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo wakanyora tsamba rwechipiri kwavari, akati, “Kana mukanzwana neni, kana mukaterera izwi rangu, uyai kwandiri Jezereri mangwana nenguva ino nemisoro yavarume, ivo vanakomana vatenzi wenyu.” Zvino vanakomana vamambo, ivo vanhu vana makumi manomwe, vaiva kuvakuru veguta, vaivarera.