2 Kings 10:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ŋwadi iyo yakati iciȿika kwaʋari, ʋakaɓata ʋanakomana ʋamambo, ʋakaʋaʋuraya, iʋo ʋanhu ʋanamakumi manomŋe, ʋakaisa misoro yaʋo mumateŋgu, ndokuitumira kwaari Jezreeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tsamba yakati yasvika kwavari, varume ava vakatora vanakomana vamambo vakavauraya vose vari makumi manomwe. Vakaisa misoro yavo mumatengu vakaitumira kuna Jehu muJezireeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakasvika tsamba iyi kwavari, vakabata vanakomana vamambo, makumi manomwe avanhu vakavauraya vakaisa misoro yavo mudzitswanda vakaitumira kuna Jehu kuJezirieri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nwadhi iyo yakati ichisvika kwavari, vakabata vanakomana vamambo, vakavauraya, ivo vanhu vana makumi manomwe, vakaisa misoro yavo mumatengu, ndokuitumira kwaari Jezereri.
Shona 2009?
Zvino mwadhi iyo yakati ichisvika kwavari, vakabata vanakomana vamambo, vakavauraya, ivo vanhu vana makumi manomwe, vakaisa misoro yavo mumatengu, ndokuitumira kwaari Jezereeri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tsamba iyo yakati ichisvika kwavari, vakabata vanakomana vamambo, vakavauraya, ivo vanhu vana makumi manomwe, vakaisa misoro yavo mumatengu, ndokuitumira kwaari Jezereri.