2 Kings 10:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhume ikaȿika, ikamuʋudza, ikati: Ʋaʋuya nemisoro yaʋanakomana ʋamambo. Iye akati: Itai mirwi miʋiri nayo, muiise paʋanopinda napo pasuʋo, kuȿikira maŋgwana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhume yakati yasvika, yakaudza Jehu kuti, “Vauya nemisoro yavanakomana vamambo.” Ipapo Jehu akavarayira akati, “Irongei mumirwi miviri pasuo reguta kusvikira mangwana.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakasvika nhume ikamupira kuti, “Vauya nemisoro yavanakomana vamambo,” iye akati, “Iitei mirwi miviri kumberi kwesuo guru kusvikira mangwanani.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nhume ikasvika, ikamuudza, ikati, “Vauya nemisoro yavanakomana vamambo.” Iye akati, “Itai mirwi miviri nayo, muiise pavanopinda napo pasuo, kusvikira mangwana.”
Shona 2009?
Nhume ikasvika, ikamuudza, ikati, "Vauya nemisoro yavanakomana vamambo." Iye akati, "Itai mirwi miviri nayo, muiise pavanopinda napo pasuo, kusvikira mangwana."
Shona SUB 2002 Bible
Nhume ikasvika, ikamuudza, ikati, “Vauya nemisoro yavanakomana vamambo.” Iye akati, “Itai mirwi miviri nayo, muiise pavanopinda napo pasuwo, kusvikira mangwana.”