2 Kings 11:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akaɓuɗisa mŋanakomana wamambo, akamudzika korona, akamupa cipupuriro, ʋakamuita mambo, ʋakamuzodza; ndokuridza nhondo, ʋaciti: Mambo ŋgaararame!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehoyadha akabudisa mwanakomana wamambo uye akadzika korona mumusoro wake; akamupa rugwaro rwesungano uye akamuita mambo. Vakamuzodza, vanhu vakauchira maoko avo uye vakadanidzira vakati, “Mambo ngaararame nokusingaperi!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akabva aburitsa mwanakomana wamambo akamudzika ngundu youmambo akamupa bumbiro romutemo vakazivisa kuti ndiye mambo. Vakamuzodza mafuta vakarova makwa vachiti, “Mambo! Ngazvirambe zvakadaro.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akabudisa mwanakomana wamambo, akamudzika korona, akamupa chipupuriro, vakamuita mambo, vakamuzodza; ndokuridza nhondo, vachiti, “Mambo ngaararame!”
Shona 2009?
Ipapo akabudisa mwanakomana wamambo, akamudzika korona, akamupa chipupuriro, vakamuita mambo, vakamuzodza; ndokuridza nhondo, vachiti; "Mambo ngaararame!"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akabudisa mwanakomana wamambo, akamudzika korona, akamupa chipupuriro, vakamuita mambo, vakamuzodza; ndokuridza nhondo, vachiti, “Mambo ngaararame!”