2 Kings 11:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatarira, ndokuʋona mambo amire pambiru, netsika yaʋo, naʋakuru naʋakaŋga ʋanehwamanda ʋamire kunamambo; ʋanhu ʋose ʋenyika ʋakafara, ʋakaridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura ŋguʋo dzake, akaɗanidzira, aciti: Ndamukirwa, ndamukirwa!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatarira ndokuona hoyo mambo, akamira pambiru, saiyo yaiva tsika yacho. Vakuru navaridzi vehwamanda vakanga vari parutivi rwamambo, uye vanhu vose venyika vakanga vachifara vachiridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura nguo dzake akadanidzira achiti, “Vandimukira! Vandimukira!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakatarisa akaona, mambo amire pedyo nomusimboti maererano netsika yaifanira kuitwa, vakuru vakuru vehondo nevokuridza mabhosvo vamire namambo, vanhu vose venyika iyi vachipembera kufara, hwamanda ichidandaura. Ataria akabvarura hanzu dzake akadaidzira achiti, “Kwapandukwa! Kwapandukwa!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatarira, ndokuona mambo amire pambiru, netsika yavo, navakuru navakanga vane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura nguo dzake, akadanidzira, achiti, “Ndamukirwa, ndamukirwa!”
Shona 2009?
Akatarira, ndokuona mambo amire pambiru, netsika yavo, navakuru navakanga vane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura nguvo dzake, akadanidzira, achiti, "Ndamukirwa, ndamukirwa!"
Shona SUB 2002 Bible
Akatarira, ndokuona mambo amire pambiru, netsika yavo, navakuru navakanga vane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura nguo dzake, akadanidzira, achiti, “Ndamukirwa, ndamukirwa!”