2 Kings 11:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muprista Jehoyada akaraira ʋakuru ʋamazana, ʋairaira hondo, akati kwaʋari: Muɓuɗisei pakati pemisara yaʋanhu; aninani unomuteʋera iye, munofanira kumuʋuraya nomunondo; nokuti muprista wakati: Ŋgaarege kuʋurayirwa mukati meimba yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehoyadha muprista akarayira vatungamiri vezvikwata zvezana, vaitungamirira mauto akati: “Mubudisei kunze nechapakati pemisara mugouraya ani naani anomutevera.” Nokuti muprista akanga ati, “Haafaniri kuurayirwa mutemberi yaJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi Jehoyadha akaudza vakuru vakuru vaitungamirira hondo kuti, “Mubvisei mumitsetse yevachengetedzi mumuburitse, muuraye nebakatwa ani naani anenge woda kutsigirana naye.” Mupristi aiti haafanire kuurayirwa mumba yaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mupristi Jehoyadha akaraira vakuru vamazana, vairaira hondo, akati kwavari, “Mubudisei pakati pemisara yavanhu; Ani naani unomutevera iye, munofanira kumuuraya nomunondo; nokuti mupristi wakati, ‘Ngaarege kuurayiwa mukati meimba yaJehovha.’ ”
Shona 2009?
Zvino muprista Jehoyadha akaraira vakuru vamazana, vairaira hondo, akati kwavari, "Mubudisei pakati pemisara yavanhu; Ani naani unomutevera iye, munofanira kumuuraya nomunondo; nokuti muprista wakati, `Ngaarege kuurayiwa mukati meimba yaJehovha.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mupristi Jehoyadha akaraira vakuru vamazana, vairaira hondo, akati kwavari, “Mubudisei pakati pemisara yavanhu; Ani naani unomutevera iye, munofanira kumuuraya nomunondo; nokuti mupristi wakati, ‘Ngaarege kuurayiwa mukati meimba yaJehovha.’ ”