2 Kings 11:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatora ʋakuru ʋamazana, naʋaKari, naʋarindi ʋamambo, naʋanhu ʋose ʋenyika, ʋakaɓurusa mambo paimba yaJehova, ʋakaenda kumba kwamambo nenzira yesuʋo raʋarindi ʋamambo. Iye akagara pacigaro coʋushe camadzimambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatora vatungamiri vamazana, navaKari, navarindi uye vanhu vose venyika, vakaburutsa mambo kubva kutemberi yaJehovha vakaenda naye kumuzinda pamwe chete, vakapinda nokusuo ravarindi. Ipapo mambo akatora nzvimbo yake pachigaro choushe,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakatora vakuru vakuru vehondo navachengetedzi vamambo nevokuchengetedza muzinda nevanhu vose venyika iyi ndokuunza mambo kubva kumba yaTenzi vachienda nepasuo guru revachengetedzi kusvika kumba yamambo. Akasvikogara pachigaro chake choumambo, chigaro chemadzimambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatora vakuru vamazana, navaKari, navarindi vamambo, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakaenda kumba kwamambo nenzira yesuo ravarindi vamambo. Iye akagara pachigaro choushe chamadzimambo.
Shona 2009?
Akatora vakuru vamazana, navaKari, navarindi vamambo, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakaenda kumba kwamambo nenzira yesuo ravarindi vamambo. Iye akagara pachigaro choushe chamadzimambo.
Shona SUB 2002 Bible
Akatora vakuru vamazana, navaKari, navarindi vamambo, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakaenda kumba kwamambo nenzira yesuwo ravarindi vamambo. Iye akagara pachigaro choushe chamadzimambo.