2 Kings 12:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati kana ʋoʋona kuti mari zhinji yaʋa’mo mubokisi, munyori wamambo nomuprista mukuru ndokuʋuya, ndokuiisa muhomo, ʋaciʋereŋga mari yakawanikwa mumba maJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pose pavaiona kuti mari yakanga yawanda mubhokisi, munyori wamambo nomuprista mukuru, vaiverenga mari yainge yauyiswa mutemberi yaJehovha voiisa muzvihomwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vaiti vakangoona kuti muzibhokisi umu mari yawanda, munyori wokwamambo nomupristi mukuru aiuya overenga vosungira mari yacho inenge yawanikwa mumba yaTenzi mututsapo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati kana vaona kuti mari zhinji yavamo mubhokisi, munyori wamambo nomupristi mukuru ndokuuya, ndokuisa muhomwe, vachiverenga mari yakawanikwa mumba maJehovha.
Shona 2009?
Zvino vakati kana vaona kuti mari zhinji yavamo mubhokisi, munyori wamambo nomuprista mukuru ndokuuya, ndokuisa muhomwe, vachiverenga mari yakawanikwa mumba maJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati kana vaona kuti mari zhinji yavamo mubhokisi, munyori wamambo nomupristi mukuru ndokuuya, ndokuisa muhomwe, vachiverenga mari yakawanikwa mumba maJehovha.