2 Kings 12:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Hazaeri mambo weSiria wakaenda kundorwa neGati, akarikunda, Hazaeri akarinza ciso cake kuenda Jerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yakaita saiyoyi Hazaeri mambo weAramu akaenda akandorwisa Gati akaripamba. Ipapo akadzokera kundorwisa Jerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyoyo Hazaeri mambo weSiria akakwira kundorwisa guta reGati akarikurira. Asi Hazaeri paakati zvino oda kuvinga Jerusaremu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Hazaeri mambo weSiria wakaenda kundorwa neGati, akarikunda, Hazaeri akarinza chiso chake kuenda Jerusaremu.
Shona 2009?
Zvino Hazaeri mambo weSiria wakaenda kundorwa neGati, akarikunda, Hazaeri akaringira chiso chake kuenda Jerusaremu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Hazaeri mambo weSiria wakaenda kunorwa neGati, akarikunda, Hazaeri akazvipira kuenda Jerusaremu.