2 Kings 12:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jehoashi mambo waJuda, wakatora ɀinhu ɀose ɀakatsaurwa, ɀakaŋga ɀatsaurwa namadziɓaɓa ake, Jehoshafati, naJehorami, naAhazia, madzimambo aJuda, neɀinhu ɀake ɀose ɀakatsaurwa, nendarama yose yakawanikwa pafuma yeimba yaJehova neimba yamambo, akaɀituma kunaHazaeri mambo weSiria; iye akabva Jerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Joashi mambo weJudha akatora zvinhu zvose zvitsvene zvakatsaurwa zvakanga zvakumikidzwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu naAhazia madzimambo eJudha, zvipo zvaakanga akumikidza iye negoridhe rose rakawanikwa mumatura etemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, akazvitumira kuna Hazaeri mambo weAramu, iye akabva muJerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehoashi mambo wokwaJudha akatora mipiro yose yakanga yaturirwa kuna Mwari yezvinhu zvakatsidzirwa kupa Mwari naJehoshafati naJehoramu naAhaziya, madzibaba ake madzimambo okwaJudha pamwechete nemipiro yake yaakanga akatsidzirawo kupa Mwari uye nendarama yose yaiva mokuchengetera upfumi hwemba yaTenzi neyemumuzinda wamambo. Akatumira zvose izvozvi kuna Hazaeri mambo weSiria. Hazaeri ndokubva asiya Jerusaremu oenda zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jehoashi mambo waJudha, wakatora zvinhu zvose zvakatsaurwa, zvakanga zvatsaurwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu, naAhazia, madzimambo aJudha, nezvinhu zvake zvose zvakatsaurwa, nendarama yose yakawanikwa papfuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akazvituma kuna Hazaeri mambo weSiria; iye akabva Jerusaremu.
Shona 2009?
Asi Jehoashi mambo waJudha, wakatora zvinhu zvose zvakatsaurwa, zvakanga zvatsaurwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu, naAhazia, madzimambo aJudha, nezvinhu zvake zvose zvakatsaurwa, nendarama yose yakawanikwa pafuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akazvituma kuna Hazaeri mambo weSiria; iye akabva Jerusaremu.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jehoashi mambo waJudha, wakatora zvinhu zvose zvakatsaurwa, zvakanga zvatsaurwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu, naAhazia, madzimambo aJudha, nezvinhu zvake zvose zvakatsaurwa, nendarama yose yakawanikwa papfuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akazvituma kuna Hazaeri mambo weSiria; iye akabva Jerusaremu.