2 Kings 12:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Jozakari mŋanakomana waShimeati, naJehozabadi mŋanakomana waShomeri, ʋaranda ʋake, ʋakamuɓaya, akafa; ʋakamuʋiga kumadziɓaɓa ake muguta raDavidi; Amazia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vabati vakamuuraya vakanga vari vanaJozabhadhi mwanakomana waShimeati naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri. Iye akafa akavigwa namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jozakari mwanakomana waShimeati naJehozabhadhi mwanakomana waShomeru, makurukota ake ndivo vakamuuraya akafa. Vakamuviga pamwechete namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Amaziya mwanakomana wake ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Jozakari mwanakomana waShimeati, naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri, varanda vake, vakamubaya, akafa; vakamuviga kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
Shona 2009?
Nokuti Jozakari mwanakomana waShimeati, naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri, varanda vake, vakamubaya, akafa; vakamuviga kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Jozakari mwanakomana waShimiati, naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri, varanda vake, vakamubaya, akafa; vakamuviga kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Amaziya mwanakomana wake akamutevera paushe.