2 Kings 12:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro matunhu akakwirira haana‐kubviswa; ʋanhu ʋakaramba ʋaciɓayira ɀiɓayiro nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisira zvinonhuwira ikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakadaro zvazvo nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vakaramba vachipira zvavo zvibayiro vachipisawo rusenzi panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira idzodzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisa zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibairo nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.