2 Kings 12:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehoashi akati kuʋaprista: Mari yose yeɀinhu ɀakatsaurwa, inoiswa mumba maJehova, mari yaʋanhu ʋakaʋereŋgwa, nemari yaʋose seɀaʋakatarirwa mumŋe nomumŋe, nemari yose, inoiswa mumba maJehova nomumŋe nomumŋe nomŋoyo wake,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joashi akati kuvaprista, “Unganidzai mari yose inouyiswa sezvipiriso zvakatsaurwa kutemberi yaJehovha, mari inounganidzwa, pakuverengwa kwavanhu, mari inogamuchirwa iri yemhiko, nemari inouyiswa kutemberi vanhu vachida havo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehoashi akati kuvapristi, “Pamari yose yezvinhu zvinoera zvinofanira kuunzwa kumba yaTenzi, mari yomutero wapamunhu, mari yakatemwa pamunhu woga woga, nemari inobviswawo nomunhu sokuda kwake achiuya nayo mumba yaTenzi,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehoashi akati kuvapristi, “Mari yose yezvinhu zvakatsaurwa, inoiswa mumba maJehovha, mari yavanhu vakaverengwa, nemari yavose sezvavakatarirwa mumwe nomumwe, nemari yose, inoiswa mumba maJehovha nomumwe nomumwe nomwoyo wake,
Shona 2009?
Zvino Jehoashi akati kuvaprista, "Mari yose yezvinhu zvakatsaurwa, inoiswa mumba maJehovha, mari yavanhu vakaverengwa, nemari yavose sezvavakatarirwa mumwe nomumwe, nemari yose, inoiswa mumba maJehovha nomumwe nomumwe nomoyo wake,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehoashi akati kuvapristi, “Mari yose yezvinhu zvakatsaurwa, inoiswa mumba maJehovha, mari yavanhu vakaverengwa, nemari yavose sezvavakatarirwa mumwe nomumwe, nemari yose, inoiswa mumba maJehovha nomumwe nomumwe nomwoyo wake,