2 Kings 12:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo Jehoashi akaɗana muprista Jehoyada naʋamŋe ʋaprista, akati kwaʋari: Munoregereiko kugadzira ɀakaputsika paimba? Naiɀoɀo ɀino ciregai kutora mari kuʋazikanwi ʋenyu, asi muiɓuɗisire ɀakaputsika paimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo Mambo Joashi akadana muprista Jehoyadha navamwe vaprista akavabvunza akati, “Seiko musingagadziri pakaputsika mutemberi? Chiregai kutora imwe mari zvakare kubva kuvabati vehomwe, asi muibudise kuti iite basa rokugadzira temberi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo mambo Jehoashi akadaidza mupristi Jehoyadha navamwe vapristi akavati, “Muri kuregererei kugadzira imba yaTenzi. Saka zvino, zvokutora mari kunanasahomwe venyu chizviregai, muendese mari iyoyo kubasa rayo rokugadzira imba iyoyo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo Jehoashi akadana mupristi Jehoyadha navamwe vapristi, akati kwavari, “Munoregereiko kugadzira zvakaputsika paimba? Naizvozvo zvino chiregai kutora mari kuvazikanwi venyu, asi muibudisire zvakaputsika patemberi.”
Shona 2009?
Zvino mambo Jehoashi akadana muprista Jehoyadha navamwe vaprista, akati kwavari, "Munoregereiko kugadzira zvakaputsika paimba? Naizvozvo zvino chiregai kutora mari kuvazikamwi venyu, asi muibudisire zvakaputsika patemberi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo Jehoashi akadana mupristi Jehoyadha navamwe vapristi, akati kwavari, “Munoregereiko kugadzira zvakaputsika paimba? Naizvozvo zvino chiregai kutora mari kuvazikanwi venyu, asi muibudisire zvakaputsika patemberi.”