2 Kings 13:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino negore ramakumi maʋiri namatatu raJoashi mŋanakomana waAhazia, mambo waJuda, Jehoahazi mŋanakomana waJehu wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria, akaʋuɓata makore anegumi namanomŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia mambo weJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugore regumi nechitatu rokutonga kwaJoashi mwanakomana waAhaziya mambo wokwaJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu akatangisa kutonga kwaIsiraeri kuSamaria. Akatonga kwegumi ramakore rina makore manomwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino negore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia, mambo waJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore ane gumi namanomwe.
Shona 2009?
Zvino negore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia, mambo waJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore ane gumi namanomwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino negore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia, mambo waJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore ane gumi namanomwe.