2 Kings 13:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Zarura windi rinotarira mabvazuʋa; iye akarizarura. Ɀino Erisha akati: Fura! Iye akafura. Akati: Ndiwo museʋe waJehova unokunda, ndiwo museʋe unokunda ʋaSiria; nokuti imi mucakunda ʋaSiria paAfeki, kuȿikira maʋaparadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati, “Zarura windo rokumabvazuva,” iye ndokurizarura. Erisha akati, “Pfura!” iye ndokupfura. Erisha akati, “Museve waJehovha wokukunda, museve wokukunda Aramu! Iwe uchaparadza vaAramu zvachose paAfeki.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akati, “Chizarurai hwindo rokumabvazuva.” Iye akarizarura. Erisha ndokuti, “Chipfurai.” Iye ndokupfuura. Erisha akabva ati, “Museve waTenzi wokununura, museve wokununura kuvaSiria! Ndinodaro nokuti mucharwisa vaSiria muAfeki kusvikira mavaparadza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Zarura windo rinotarira mabvazuva;” iye akarizarura. Zvino Erisha akati, “Fura!” Iye akafura. Akati, “Ndiwo museve waJehovha unokunda, ndiwo museve unokunda vaSiria; nokuti imi muchakunda vaSiria paAfeki, kusvikira mavaparadza.”
Shona 2009?
Akati, "Zarura hwindo rinotarira mabvazuva;" iye akarizarura. Zvino Erisha akati, "Fura!" Iye akafura. Akati, "Ndiwo museve waJehovha unokunda, ndiwo museve unokunda vaSiria; nokuti imwi muchakunda vaSiria paAfeki, kusvikira mavaparadza."
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Zarura hwindo rinotarira mabvazuva;” iye akarizarura. Zvino Erisha akati, “Fura!” Iye akafura. Akati, “Ndiwo museve waJehovha unokunda, ndiwo museve unokunda vaSiria; nokuti imi muchakunda vaSiria paAfeki, kusvikira mavaparadza.”