2 Kings 13:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo munhu waMŋari akamutsamŋira, akati: Waifanira kuroʋa kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda ʋaSiria kuȿikira waʋaparadza cose; asi ɀino ucakunda ʋaSiria katatu ɓedzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu waMwari akamutsamwira akati kwaari, “Wanga uchifanira kurova pasi kashanu kana katanhatu; ipapo waizokunda Aramu nokuiparadza zvachose. Asi zvino uchangozoikunda katatu chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu waTenzi akamushatirirwa akati, “Mungadai matoparova kashanu kana katanhatu kese. Ndopamaizokwanisa kurova Siria kusvikira maiparadza. Asi zvino muchangorova Siria katatu chete.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo munhu waMwari akamutsamwira, akati, “Waifanira kurova kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda vaSiria kusvikira wavaparadza chose; asi zvino uchakunda vaSiria katatu bedzi.”
Shona 2009?
Ipapo munhu waMwari akamutsamwira, akati, "Waifanira kurova kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda vaSiria kusvikira wavaparadza chose; asi zvino uchakunda vaSiria katatu bedzi."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo munhu waMwari akamutsamwira, akati, “Waifanira kurova kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda vaSiria kusvikira wavaparadza chose; asi zvino uchakunda vaSiria katatu bedzi.”