2 Kings 13:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jehova wakaʋanzwira tsitsi, akaʋa nenyasha naʋo, akaʋa ʋo nehanya naʋo, nokuɗa kwesuŋgano yake naAbrahama, naIsaka, naJakobo; akasaɗa kuʋaparadza, kana kuʋarashira kure naye paŋguʋa iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehovha akavaitira nyasha, uye akava nengoni akava nehanya navo nokuda kwesungano yake naAbhurahama, naIsaka naJakobho. Kusvikira nhasi haana kuda kuvaparadza kana kuvarasira kure naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Tenzi akavaitira mwoyochena akavanzwira tsitsi akavacheuka pamusana pechitenderano chake chaakaita naAbhurahamu naIsaki naJakobho akarega kuvaparadza kunyange nazvino wese haana kumbovarasa paari iye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jehovha wakavanzwira tsitsi, akava nenyasha navo, akavawo nehanya navo, nokuda kwesungano yake naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho; akasada kuvaparadza, kana kuvarashira kure naye panguva iyo.
Shona 2009?
Asi Jehovha wakavanzwira tsitsi, akava nenyasha navo, akavawo nehanya navo, nokuda kwesungano yake naAbhurahamu, nalsaka, naJakobho, akasada kuvaparadza, kana kuvarashira kure naye panguva iyo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jehovha akavanzwira tsitsi, akava nenyasha navo, akavawo nehanya navo, nokuda kwesungano yake naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho; akasada kuvaparadza, kana kuvarashira kure naye panguva iyo.