2 Kings 13:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
(Asi Jehova wakapa Israeri muponesi, ʋakasunuŋguka pamaʋoko aʋaSiria; ʋana ʋaIsraeri ʋakagara mumatente aʋo sakare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akamutsira Israeri mudzikinuri, uye vakapukunyuka kubva pasi poruoko rwavaAramu. Naizvozvo vaIsraeri vakagara mumisha yavo sezvavakanga vakaita kare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Tenzi akapa Isiraeri mununuri zvokuti vakapunyuka mumaoko avaSiria, vanhu vokwaIsiraeri vakagara mumisha yavo samazuva ose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
(Asi Jehovha wakapa Isiraeri muponesi, vakasununguka pamaoko avaSiria; vana vaIsiraeri vakagara mumatende avo sakare.
Shona 2009?
Asi Jehovha wakapa Isiraeri muponesi, vakasununguka pamaoko avaSiria; vana vaIsiraeri vakagara mumatende avo sakare.
Shona SUB 2002 Bible
(Asi Jehovha akapa Isiraeri muponesi, vakasununguka pamaoko avaSiria; vana VaIsiraeri vakagara mumatende avo sakare.