2 Kings 13:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kutsauka paɀiʋi ɀeimba yaJeroboami, ɀaakatadzisa Israeri naɀo, asi ʋakaramba ʋacifamba maɀiri; ʋuye matanda okunamata nawo akaramba ari’po paSamaria.)
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi havana kutendeuka kubva pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakanga aita kuti Israeri iite, vakarambira mazviri. Uyezve danda raAshera rakaramba rimire muSamaria.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakadaro zvazvo havana kusiyana nezvitadzo zvemba yaJerobhoamu zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza, akatozvitevedzera uyewo chifananidzo chokunamata Ashera chakaramba chiri muSamaria.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro havana kutsauka pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, asi vakaramba vachifamba mazviri; uye matanda okunamata nawo akaramba aripo paSamaria.)
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro havana kutsauka pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, asi vakaramba vachifamba mazviri; uye matanda okunamata nawo akaramba aripo paSamaria.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro havana kutsauka pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, asi vakaramba vachifamba mazviri; uye matanda okunamata nawo akaramba aripo paSamaria.)