2 Kings 13:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti haana‐kusiyira Jehoahazi ʋanhu, asi ʋataȿi ʋamabiza ʋanamakumi mashanu, neŋgoro dzinegumi, naʋanhu ʋaifamba namakumbo ʋaneɀuru ɀinegumi; nokuti mambo weSiria wakaʋaparadza, akaʋaita seguruʋa rinotsikwa pasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hapana hondo yaJehoahazi yakasara kunze kwavarume vamabhiza makumi mashanu, nengoro gumi uye zviuru gumi zvavarwi vaifamba netsoka, nokuti mambo weAramu akanga aparadza vazhinji vavo akavaita seguruva renguva yokupura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chakanga chavepo ndechokuti Jehoahazi akanga angosara namakumi mashanu avachairi vemabhiza nengoro dzehondo gumi nezviuru gumi zvavarwi vetsoka nokuti mambo weSiria akanga avaparadza avawotesa seguruva repaburiro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti haana kusiyira Jehoahazi vanhu, asi vatasvi vamabhiza vana makumi mashanu, nengoro dzine gumi, navanhu vaifamba namakumbo vane zviuru zvine gumi; nokuti mambo weSiria wakavaparadza, akavaita seguruva rinotsikwa pasi.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible