2 Kings 14:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe wakunda ʋaEdomi, ɀino mŋoyo wako woɀikudza; ciɀikudza hako, ugare kumusha; nokuti unotȿakireiko njodzi, uwire’mo, iwe naJuda pamŋe cete newe?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvirokwazvo wakakunda Edhomu asi zvino wava kuzvikudza. Zvirumbidze hako pakukunda kwako, asi ugare kumba! Seiko wava kutsvaka bongozozo kuti uzviwisire pasi iwe pamwe chete neJudha?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Wakakurira Edhomu chaizvo ukabva waita zenze. Gutsikana nomukurumbira wako iwoyo ugare pamba nokuti unodirei kuzvidenhera nhamo inokuridibura iwe pamwechete naJudha?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe wakunda vaEdhomu, zvino mwoyo wako wozvikudza; chikudza hako, ugare kumusha; nokuti unotsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?”
Shona 2009?
Iwe wakunda vaEdhomu, zvino moyo wako wozvikudza; chizvikudza hako, ugare kumusha; nokuti unotsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?"
Shona SUB 2002 Bible
Iwe wakunda vaEdhomu, zvino mwoyo wako wozvikudza; chikudza hako, ugare kumusha; nokuti unotsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?”