2 Kings 14:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Amazia wakaramba kunzwa. Naiɀoɀo Jehoashi mambo waIsraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJuda ʋakaʋonana paBeti‐shemeshi raiʋa raJuda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro, Amazia haana kuda kuteerera, naizvozvo Jehoashi mambo weIsraeri akamurwisa. Iye naAmazia mambo weJudha vakasangana paBheti Shemeshi muJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Amaziya haana kumbozviteerera. Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akakwirako, iye naAmaziya mambo wokwaJudha vakamirisana kurwa hondo kuBhetishemeshi rokwaJudha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Amazia wakaramba kunzwa. Naizvozvo Jehoashi mambo weIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakaonana paBhetishemeshi raiva raJudha.
Shona 2009?
Asi Amazia wakaramba kunzwa. Naizvozvo Jehoashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakaonana paBhetishemeshi raiva raJudha.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Amaziya wakaramba kunzwa. Naizvozvo Jehoashi mambo weIsiraeri akaenda; iye naAmaziya mambo waJudha vakaonana paBhetishemeshi raiva raJudha.