2 Kings 14:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehoashi mambo waIsraeri akasuŋga Amazia mambo waJuda, mŋanakomana waJehoashi, mŋanakomana waAhazia, paBeti‐shemeshi, akaȿika Jerusarema, akaputsa ruȿiŋgo rweJerusarema, kubva pasuʋo raEfraimi kuȿikira pasuʋo rapakona, makubiti anamazana manna.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehoashi mambo weIsraeri akabata Amazia mambo weJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waAhazia, paBheti Shemeshi. Ipapo Jehoashi akaenda kuJerusarema akandoputsa rusvingo rweJerusarema kubva kuSuo raEfuremu kusvikira paSuo repaKona chikamu chinosvika makubhiti mazana manaa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akabata Amaziya mambo wokwaJudha mwanakomana waJehoashi mwanakomana waAhaziya kuBhetishemeshi. Akaenda kuJerusaremu akapaza mbimbi yorusvingo rweJerusaremu inoita mamita mazana maviri kubvira paSuo Guru raEfuremu kusvikira pasuo guru rapaKona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehoashi mambo weIsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJehoashi, mwanakomana waAhazia, paBhetishemeshi, akasvika Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana.
Shona 2009?
Jehoashi mambo waIsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJehoashi, mwanakomana waAhazia, paBhetishemeshi, akasvika Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana.
Shona SUB 2002 Bible
Jehoashi mambo weIsiraeri akasunga Amaziya mambo waJudha, mwanakomana waJehoashi, mwanakomana waAhazia, paBhetishemeshi, akasvika Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuwo raEfuremu kusvikira pasuwo rapakona, makubhiti ana mazana mana.