2 Kings 14:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Negore regumi namashanu raAmazia mŋanakomana waJoashi mambo waJuda, Jeroboami mŋanakomana waJoashi, mambo waIsraeri, akataŋga kuɓata ʋushe paSamaria, akaʋuɓata makore anamakumi manna nerimŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri akava mambo muSamaria, akatonga kwamakore makumi mana negore rimwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugore regumi nechishanu rokutonga kwaAmaziya mwanakomana waJoashi mambo wokwaJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi mambo wokwaIsiraeri akatangisa kutonga muSamaria. Akatonga kwamakore makumi mana negore rimwechete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Negore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo weIsiraeri, akatanga kubata ushe paSamaria, akaubata makore ana makumi mana nerimwe.
Shona 2009?
Negore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri, akatanga kubata ushe paSamaria, akaubata makore ana makumi mana nerimwe.
Shona SUB 2002 Bible
Negore regumi namashanu raAmaziya mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo weIsiraeri, akatanga kubata ushe paSamaria, akaubata makore ana makumi mana nerimwe.