2 Kings 14:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mamŋe maɓasa aJeroboami, neɀose ɀaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Damasko neHamati kunaIsraeri, aiʋa maguta aJuda, haɀinakunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nokukunda kwake pakurwa, pamwe nokuti akadzorera sei Dhamasiko neHamati kuIsraeri, aimbova maguta eJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inga dzimwe nyaya dzezvaJerobhoamu nezvose zvaakaita nougamba hwake namarwiro ake nokudzosa pakare kwaakaita Dhamasikusi neHamati maguta akanga atorwa nevokwaJudha, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Dhamasiko neHamati kuna Isiraeri, aiva maguta aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo eIsiraeri?
Shona 2009?
Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Dhamasiko neHamati kuna Isiraeri, aiva maguta aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Dhamasikosi neHamati kuna Isiraeri, aiva maguta aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo eIsiraeri?