2 Kings 14:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi matunhu akakwirira haana‐kubviswa, asi ʋanhu ʋakaramba ʋaciɓayira nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachipa zvibayiro nokupisa zvinonhuwira ikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa. Vanhu vainge vachingopira zvavo zvibayiro nokupisa rusenzi panzvimbo idzodzo dzakatunhumara dzokuteurira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi matunhu akakwirira haana kubviswa, asi vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.
Shona 2009?
Asi matunhu akakwirira haana kubviswa, asi vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira.
Shona SUB 2002 Bible
Asi matunhu akakwirira haana kubviswa, asi vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.