2 Kings 14:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi haana‐kuʋuraya ʋana ʋaʋaʋurayi, seɀaɀakanyorwa mubuku yomurairo waMosesi, seɀakaraira Jehova, aciti: Madziɓaɓa ŋgaarege kuʋurawa nokuɗa kwaʋana, kana ʋana ŋgaʋarege kuʋurawa nokuɗa kwamadziɓaɓa; asi munhu mumŋe nomumŋe ŋgaafire ɀiʋi ɀake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi haana kuuraya vanakomana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi sezvakarayira Jehovha paakati, “Madzibaba haazourayiwi nokuda kwavana vavo, uye vana havaurayiwi nokuda kwamadzibaba avo mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi haana kuuraya vana vevaurayi ava sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku romutemo waMosesi panonzi naTenzi, “Madzibaba haafanire kuurayirwa mhosva dzavana vavo. Vanawo havafanire kuurayirwa mhosva dzamadzibaba avo. Munhu anofira mhosva yake iye pachake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi haana kuuraya vana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMosesi, sezvakaraira Jehovha, achiti, “Madzibaba ngaarege kuurawa nokuda kwavana, kana vana ngavarege kuurawa nokuda kwamadzibaba; asi munhu mumwe nomumwe ngaafire zvivi zvake.”
Shona 2009?
Asi haana kuuraya vana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMozisi, sezvakaraira Jehovha, achiti, "Madzibaba ngaarege kuurawa nokuda kwavana, kana vana ngavarege kuurawa nokuda kwamadzibaba; asi munhu mumwe nomumwe ngaafire zvivi zvake."
Shona SUB 2002 Bible
Asi haana kuuraya vana vavaurayi, sezvazvakanyorwa muBhuku yoMurairo waMosesi, sezvakaraira Jehovha, achiti, “Madzibaba ngaarege kuurayiwa nokuda kwavana, kana vana ngavarege kuurayiwa nokuda kwamadzibaba; asi munhu mumwe nomumwe ngaafire zvivi zvake.”