2 Kings 14:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehoashi mambo waIsraeri akatuma shoko kunaAmazia mambo waJuda, akati: Rukato rwakaŋga ruri paRebanoni rwakatuma shoko kumusidari wakaŋga uri paRebanoni, rukati: Ipa mŋanakomana waŋgu mukunda wako, aʋe mukadzi wake; ɀino imŋe mhuka yakaŋga iri paRebanoni ikapfuʋura’po, ikatsika‐tsika rukato.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehoashi mambo weIsraeri akapindura Amazia mambo weJudha akati, “Rukato rwomuRebhanoni rwakatuma nhume kumusidhari womuRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanasikana wako kuti awanikwe nomwanakomana wangu.’ Ipapo mhuka yesango yomuRebhanoni yakauyapo ikatsika-tsika rukato netsoka dzayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehoashi mambo wokwaIsiraeri akatumawo nhume kuna Amaziya mambo wokwaJudha achiti, “Rukato rwapaRebhanoni rwakatumira nhume kumuti womusidhari wapaRebhanoni rwuchiti, ‘Rega mwanasikana wako aroorwe nomwanakomana wangu ave mukadzi wake.’ Chimwe chikara chomuRebhanoni chakapfuura nepo chikakatsikirira pasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehoashi mambo weIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, “Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanakomana wangu mukunda wako, ave mukadzi wake;’ zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika-tsika rukato.
Shona 2009?
Jehoashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, "Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, `Ipa mwanakomana wangu mukunda wako, ave mukadzi wake;' zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsikatsika rukato.
Shona SUB 2002 Bible
Jehoashi mambo weIsiraeri akatuma shoko kuna Amaziya mambo waJudha, akati, “Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanakomana wangu mukunda wako, ave mukadzi wake;’ zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika–tsika rukato.