2 Kings 15:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Menahemi akaparadza Tifsa, naʋose ʋakaŋga ʋari mukati maro, nenyika yaro, kubva paTirza; akariparadza, nokuti ʋakaramba kumuzarurira; akatumbura ʋakadzi ʋose ʋakaŋga ʋanemimba, ʋaiʋa mukati maro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo Menahemi, akarwisa Tifisa navose vaiva muguta nenzvimbo dzaiva pedyo, achitanga kubva paTiriza, nokuti vakanga varamba kuzarura masuo avo. Akaparadza Tifisa uye akatumbura vakadzi vaiva nemimba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyoyo Menahemu akaparadza Tifusa navose vaivemo nedunhu raro, kubvira kuTiriza zvichienda mberi nokuti havana kumuzarurira guta irori ndokusaka akariparadza achitumbura madzimai aiva nepamuviri vakanga varimo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Menahemi akaparadza Tifisa, navose vakanga vari mukati maro, nenyika yaro, kubva paTiriza; akariparadza, nokuti vakaramba kumuzarurira; akatumbura vakadzi vose vakanga vane mimba, vaiva mukati maro.
Shona 2009?
Zvino Menahemi akaparadza Tifisa, navose vakanga vari mukati maro, nenyika yaro, kubva paTiriza; akariparadza, nokuti vakaramba kumuzarurira; akatumbura vakadzi vose vakanga vane mimba, vaiva mukati maro. '
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Menahemi akaparadza Tifisa, navose vakanga vari mukati maro, nenyika yaro, kubva paTiriza; akariparadza, nokuti vakaramba kumuzarurira; akatumbura vakadzi vose vakanga vane mimba, vaiva mukati maro.