2 Kings 15:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Puri mambo weAsiria akaʋuya kuzorwa nenyika; Menahemi akapa Puri matarenta anecuru cimŋe cesirveri, kuti amuɓatsire kusimbisa ʋushe bgake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Puri mambo weAsiria akarwisa nyika, uye Menahemi akamupa chiuru chamatarendaa esirivha, kuti awane rutsigiro agosimbisa umambo hwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Puru mambo weAsiria akauya kuzorwisa nyika iyi, ndokubva Menahemu apa Puru mari yesirivha inorema makirogiramu zviuru makumi matatu nezvina achida kuti abatsirwe kuita kuti umambo hwake hudzike midzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Puri mambo weAsiria akauya kuzorwa nenyika; Menahemi akapa Puri matarenda ane chiuru chimwe chesirivha, kuti amubatsire kusimbisa ushe hwake.
Shona 2009?
Zvino Puri mambo weAsiria akauya kuzorwa nenyika; Menahemi akapa Puri matarenda ane chiuru chimwe chesirivha, kuti amubatsire kusimbisa ushe hwake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Puri mambo weAsiriya akauya kuzorwa nenyika; Menahemi akapa Puri matarenda ane chiuru chimwe chesirivha, kuti amubatsire kusimbisa ushe hwake.