2 Kings 15:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Peka mŋanakomana waRemaria, mukuru wake wehondo akamumukira, akamuʋuraya paSamaria, munhare yeimba yamambo, iye naArgobi naArie naʋanhu ʋanamakumi mashanu ʋaGireadi ʋaakaŋga anaʋo; akamuʋuraya, akamuteʋera paʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wamakurukota ake, ainzi Peka mwanakomana waRemaria, akamumukira. Akatora varume makumi mashanu veGireadhi, akauraya Pekahia pamwe chete naArigobhi naArie, munhare yomuzinda wamambo weSamaria. Saka Peka akauraya Pekahia uye akamutevera paumambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe mukuru mukuru wehondo yake ainzi Peka, mwanakomana waRemariya akaronga kumupandukira navarume makumi mashanu vokwaGireadhi vakamuuraya kuSamaria mumba yokuhwanda hondo yomumuzinda wamambo, akabva ava kutonga panzvimbo pake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Peka mwanakomana waRemaria, mukuru wake wehondo akamumukira, akamuuraya paSamaria, munhare yeimba yamambo, iye naArigobhi naArie navanhu vana makumi mashanu vaGireadhi vaakanga anavo; akamuuraya, akamutevera paushe.
Shona 2009?
Zvino Peka mwanakomana waRemaria, mukuru wake wehondo akamumukira, akamuuraya paSamaria, munhare yeimba yamambo, iye naArigobhi naArie navanhu vana makumi mashanu vaGiriyadhi vaakanga anavo; akamuuraya, akamutevera paushe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Peka mwanakomana waRemaria, mukuru wake wehondo akamumukira, akamuuraya paSamaria, munhare yeimba yamambo, iye naArigobhi naArie navanhu vana makumi mashanu vaGireadhi vaakanga anavo; akamuuraya, akamutevera paushe.