2 Kings 15:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Namazuʋa aPeka mambo waIsraeri, Tigrati‐pireseri mambo weAsiria akaȿika, akakunda Ijoni, neAberibeti‐maaka, neJanoa, neKadeshi, neHazori, neGireadi, neGariri, iyo nyika yose yeNaftari; akaʋatapa, akaenda naʋo Asiria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munguva yaPeka mambo weIsraeri, TigiratiPireseri mambo weAsiria akauya akatora Goni, neAbheri Bheti Maaka, neJanoa, neKedheshi neHazori. Akatora Gireadhi neGarirea pamwe chete nenyika dzose dzeNafutari uye akatakura vanhu akaenda navo kuAsiria senhapwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamazuva aPeka mambo wokwaIsiraeri, Tigiratipireseru mambo weAsiria akauya akakurira Iyoni neAbherobhetimaaka neJanoa neKedheshi neHazori nokwaGireadhi neGarirea nenyika yose yokwaNafutari. Akatapa vanhu ivavo akaenda navo kuAsiria.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Namazuva aPeka mambo waIsiraeri, Tigiratipireseri mambo weAsiria akasvika, akakunda Ijoni, neAbheribhetimaaka, neJanoa, neKadheshi, neHazori, neGireadhi, neGariri, iyo nyika yose yeNafutari; akavatapa, akaenda navo Asiria.
Shona 2009?
Namazuva aPeka mambo waIsiraeri, Tigiratipireseri mambo weAsiria akasvika, akakunda Ijoni, neAbheribhetimaaka, neJanowa, neKadheshi, neHazori, neGiriyadhi, neGariri, iyo nyika yose yeNafutari; akavatapa, akaenda navo Asiria.
Shona SUB 2002 Bible
Namazuva aPeka mambo waIsiraeri, Tigirati-pireza mambo weAsiria akasvika, akakunda Ijoni, neAbheribhetimaaka, neJanoa, neKadheshi, neHazoru, neGiriadhi, neGarireya, iyo nyika yose yeNafutari; akavatapa, akaenda navo Asiria.