2 Kings 17:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro Jehova wakapupurira Israeri naJuda nemiromo yaʋaprofita ʋose naʋaʋoni ʋose, akati: Dzokai panzira dzenyu dzakaipa, muceŋgete mirairo yaŋgu neɀandakatema, seɀakarebga nomurairo waŋgu wose wandakaraira madziɓaɓa enyu, wandakatuma nemiromo yaʋaprofita ʋaranda ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akayambira Israeri neJudha kubudikidza navaprofita vake vose navaoni akati, “Ibvai panzira dzenyu dzakaipa. Cherechedzai mirayiro nemitemo yangu maererano noMurayiro wose wandakarayira madzibaba enyu kuti vauteerere uye uyo wandakapa kwamuri kubudikidza navaranda vangu vaprofita.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Tenzi akanga achiyambira vokwaIsiraeri nevokwaJudha nomuromo wavaporofita navaoni achiti, “Tendeukai musiye nzira dzenyu dzakaipa muchengete mitemo yangu nemirao yangu maererano nemirao yose yandakapa madzibaba enyu yandakakutumirai nokuvaporofita varanda vangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro Jehovha wakapupurira Isiraeri naJudha nemiromo yavaporofita vose navawoni vose, akati, “Dzokai panzira dzenyu dzakaipa, muchengete mirairo yangu nezvandakatema, sezvakarehwa nomurayiro wangu wose wandakaraira madzibaba enyu, wandakatuma nemiromo yavaporofita varanda vangu.”
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro Jehovha wakapupurira Isiraeri naJudha nemiromo yavaporofita vose navawoni vose, akati, "Dzokai panzira dzenyu dzakaipa, muchengete mirairo yangu nezvandakatema, sezvakarehwa nomurayiro wangu wose wandakaraira madzibaba enyu, wandakatuma nemiromo yavaporofita varanda vangu."
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro Jehovha akapupurira Isiraeri naJudha nemiromo yavaporofita vose navawoni vose, akati, “Dzokai panzira dzenyu dzakaipa, muchengete mirairo yangu nezvandakatema, sezvakarehwa nomurairo wangu wose wandakaraira madzibaba enyu, wandakatuma nemiromo yavaporofita varanda vangu.”