2 Kings 17:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaramba mitemo yake nesuŋgano yake yaakaita namadziɓaɓa aʋo, neɀipupuriro ɀake ɀaakaʋapupurira, ʋakateʋera ɀisinamaturo, iʋo ʋakaʋa ʋasinamaturo, ʋakateʋera ndudzi dzakaʋapoteredza, iʋo ʋaʋakaŋga ʋarairwa naJehova kuti ʋarege kuita saiʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaramba mitemo yake nesungano yaakanga aita namadzibaba avo uyewo neyambiro dzaakanga avapa. Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo ivo pachavo vakava vasina maturo. Vakatevedzera ndudzi dzakanga dzakavakomberedza kunyange Jehovha akanga avarayira akati, “Musaita sezvavanoita,” asi vakaita zvinhu zvavakarambidzwa naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakashora mirao yake nechitenderano chaakaita namadzibaba avo nokuyambira kwese kwaaivaita. Vakateveredzana nezvifananidzo zvokunamata zvisina namaturo ese ivo vakabva vava vanhu vasina namaturo ese. Vakateverana namarudzi akanga akavapoteredza avakanga vanzi naTenzi musaatevedzere.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakaramba mitemo yake nesungano yake yaakaita namadzibaba avo, nezvipupuriro zvake zvaakavapupurira, vakatevera zvisina maturo, ivo vakava vasina maturo, vakatevera ndudzi dzakavapoteredza, ivo vavakanga varairwa naJehovha kuti varege kuita saivo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible